CHITUBU LYRICS BY JAH PRAYZAH
Hiyere hiyere Mambo (ramba uchikakata)
Ndirangarireiwo mukuru wangu
Mundisimudzire nechipo changu
Iyoyo ndiyo korona yangu
Chipo changu chindisvitse murugare rwangu
Simba mufambire wayo imhungu changamire (ramba uchikakata)
Kuratidza shungu yorutsa huturu
Ndakaiona nhamo inopisa inosvaura ini
Ndakaiturika kumatenga akazaruka ini
Ndakazviona kubvira kare kuti munoera imi
Zvikomborero zvamunoburutsa munogona
(Kuya kuya mamera kuya kuya)
Dai mangondigamuchira (zama)
Chitubu chinodira
Dai mangondibatidzira
Kamwenje kamakandichengetera
Mukuru ndaombera
Aiwa ndanyengetera
Masodzi kuyerera
Ishungu dzinoti budirira
Dai mangondigamuchira
Chitubu chinodira
Dai mangondibatidzira
Kamwenje kamakandichengetera
Mukuru ndaombera
Aiwa ndanyengetera
Masodzi kuyerera
Ishungu dzinoti budirira
Ndakatanga ndichikambaira
Fume mangwana kutekaira
(Takamirira zvikuru
Zvouya wedza mangwana)
Chemudenga chichakoromoka
Semurume wotoshingaira
(Takamirira zvikuru
Zvouya wedza mangwana)
Kuti nhamo yangu nhamo yako, nhamo kugovana nhamo
(Takamirira zvikuru
Zvouya wedza mangwana)
Nhamo yangu, nhamo yako, nhamo ini handidi nhamo
(Takamirira zvikuru
Zvouya wedza mangwana)
Dai mangondigamuchira (zama)
Chitubu chinodira
Dai mangondibatidzira
Kamwenje kamakandichengetera
Mukuru ndaombera
Aiwa ndanyengetera
Masodzi kuyerera
Ishungu dzinoti budirira
Takafamba munzira dzakafamba vamwe vakasasvika (heya)
Takadambura dhibhu rakasunga vamwe vakarembera
Chamunyurududu toyambuka mudziva tayambuka mhiri (heya)
Tidzengerere nyoka musango iwe charika heya
Zvakutoda mukuru ndionere nzira ndingatsauka (heya)
Chandikonza musana kufondoka kuti ndingabudirire (heya)
Tipinde tipindewo mhanduwe
Tifambe nendima (heya)
Tibate tibatewo mhanduwe
tifambe nendima (heya)
Dai mangondigamuchira (zama)
Chitubu chinodira
Dai mangondibatidzira
Kamwenje kamakandichengetera
Mukuru ndaombera
Aiwa ndanyengetera
Masodzi kuyerera
Ishungu dzinoti budirira
(Aah Chihombe)
(Ini handibvume)
Kusakara
ndakaramba kusakara x2
Vane ndarama
Inga vamwe vakagarika x2
Kuya kuya mamera kuya!
Summary:
Rudo, zvikomborero, huchenjeri, hutano, tsitsi nehupenyu zvinoramba zvichiduruka kubva kumatenga zuva rega rega sechitubu chisingaperi mvura. God's mercy and blessings spill over endlessly upon us, like a hotspring.
Munjere nemundangariro dzedu tose tinozviziva kuti denga nenyika zvinemuridzi anosarudza kuti uyu nauyu ndichavasimudzira kusvika apo. Inini Mukudzeyi Mukombe, ndakapiwa chipo chekuimba asi mweya wangu unondiudza kuti hausati wasvika chaipo pawakarongerwa.Iwewewo mutsigiri wangu, une chipo chako asi hana yako inokuudza kuti unodarika pauri ukava nebudiriro inoshamisa kuburikidza nechipo chako. Rwiyo urwu Chitubu, ndiwo munamato wangu tose nevatsigiri vangu
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
-
Where to go I do not know Looking for answers why I do not know You are no longer listening You are no longer interested You are ...
-
kuthi hhuu! [feel pressure of the Air (Spirit)] Zonke ezam Xa zibuya uzozibona [When My squad returns you’ll see] Banomoya. [They a...
-
Ekoti te ( you missed the shot). Dj Mopao frontiere ya liwa, kanga foto (Dj Mopao the border of death, take a photo) Tutu Roba Ve...
Chimbo chakanyanya ichi! Jah prayzah never dissapoints!!!Thank you for the lyrics.
ReplyDelete