ROVAI MAKUVA LYRICS BY KILLER T

Pamusoroi vakuru woye
Ndauya ndine nyaya yandiinayo
Asi dzimwe nguva ndongochema

Ndashaya kana basa rekurima
Zvikanzi mhaka munoiziva
Ende zvinodiwa munozviziva
Endai munoti ndiri kuuya
Endai munoungana mugare pasi
Chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
Kubika doro nechivanhu chacho
Zvikanzi vakafa vanoona
Nekuti kune zvinhu zvinoyera

Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke(murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murarame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

{Hook}
Vakati inouyai nevakuru venyu
Ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
Enda unovatsvaga vachiri vapenyu
Ndivo vanotungamira munzira dzenyu
Ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
Enda mudzimu yako inokutarisa
Zvese zvamandituma inini ndoita
Kuti vanditungamire ini kwandinoenda
Asi vakandiri panodiwa mombe
Ende vanasekuru vanoda mukombe
Iyi uriwega haungaigone
Endai munoungana tione

Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke(murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we

Asi vakanditi inini panodiwa mombe
Ende vanasekuru vanoda mukombe
Iyi uriwega haungaigone
Endai munoungana tione

Vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke(murarame) vanangu we
Dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
Dirai doro pasi murarame vanangu we
Yeukai kumashure kwamakabvawo vanangu we

No comments:

Post a Comment